Isaiah 30

Rune Nhamo Rudzi Rwakasindimara

1“Vane nhamo vana vakasindimara,”
ndizvo zvinotaura Jehovha,
“kuna avo vanoita urongwa husati huri hwangu,
vanoita sungano, asi vasingaiti noMweya wangu,
vachiunganidza chivi pamusoro pechivi;
2vanoenda kuIjipiti
vasina kundibvunza;
vanotsvaka rubatsiro rworudziviriro rwaFaro,
vanotsvaka utiziro kumumvuri weIjipiti.
3Asi kudzivirira kwaFaro kuchava kunyadziswa kwenyu,
mumvuri weIjipiti uchakuvigirai kunyadziswa,
4kunyange vaine machinda muZoani
uye nhume dzavo dzasvika muHanesi,
5mumwe nomumwe wavo achanyadziswa
nokuda kwavanhu vasina betsero kwavari,
vasingavavigiri rubatsiro kana ruyamuro,
asi kunyadziswa chete nokuzvidzwa.”
6Chirevo pamusoro pemhuka dzeNegevhi:

nomunyika yenhamo namatambudziko,
yeshumba neshumbakadzi,
yemvumbi nenyoka dzine hasha uye dzinobhururuka,
nhume dzinotakura pfuma yadzo pamusoro pembongoro,
noupfumi hwadzo pamusoro penyundwa dzengamera,
dzichihuendesa kurudzi rusingabatsiri,
7kuIjipiti kuno rubatsiro rusina maturo chose.
Naizvozvo ndinomutumidza zita rokuti
Rahabhi Asina Chaanoita.

8Chienda iye zvino, unovanyorera pahwendefa izvozvo,
uzvinyore murugwaro,
kuti pamazuva anouya
chigova chapupu nokusingaperi.
9Ava ndivo vanhu vakapanduka, vana vokunyengera,
vana vasingadi kunzwa kurayira kwaJehovha.
10Vanoti kuvaoni,
“Regai kuonazve zviratidzo!”
nokuvaprofita,
“Regai kutipazve zviratidzo zvezvakanaka!
Tiudzei zvinhu zvinofadza,
muprofite zvinonyengera.
11Siyai nzira iyi,
ibvai mugwara iri,
murege kuita kuti timisidzane
noMutsvene waIsraeri!”
12Naizvozvo zvanzi naMutsvene waIsraeri:

“Nokuti makaramba shoko rangu iri,
mukasendamira pakumanikidza
uye mukavimba nokunyengera,
13chivi ichi chichava kwamuri
sorusvingo, rwakatsemuka nokufutunuka,
runoondomoka pakarepo uye nokukurumidza.
14Ruchaputsika kuita zvimedu zvimedu sehari,
yakaputswa noutsinye
zvokuti pakati pezvimedu zvayo hapana kuwanikwa chaenga chakasara,
chokugoka mazimbe omoto pachoto
kana chokuchera nacho mvura kubva muchitubu.”
15Zvanzi naIshe Jehovha, Mutsvene waIsraeri:

“Mukutendeuka nezororo ndimo mune ruponeso rwenyu,
murunyararo nomukuvimba ndimo mune simba renyu,
asi imi makaramba chimwe chazvo.
16Imi makati, ‘Kwete, tichatiza takatasva mabhiza.’
Naizvozvo muchatiza!
Imi makati, ‘Tichatasva mabhiza anomhanya kwazvo.’
Naizvozvo vadzinganisi venyu vachamhanya kwazvo!
17Chiuru chimwe chete chichatiza
nokuvhundutsa kwomumwe chete;
imi mose muchatiza
kuvhundutsa kwavashanu,
kusvikira masara
maita sedanda romureza riri pamusoro pegomo,
kuita somureza pamusoro pechikomo.”

18Asi Jehovha anoshuva kukuitirai nyasha;
anosimuka kuti akuratidzei tsitsi.
Nokuti Jehovha ndiMwari wokururamisira.
Vakaropafadzwa vose vanomurindira!
19Haiwa imi vanhu veZioni, vanogara muJerusarema, hamuchazochemizve. Achava nenyasha sei pamunochemera rubatsiro! Achingozvinzwa, achakupindurai. 20Kunyange Ishe achikupai chingwa chenhamo nemvura yokutambudzika, vadzidzi venyu havachazovanzwizve; muchavaona nameso enyu pachenyu. 21Kunyange mukatendeukira kurudyi kana kuruboshwe, nzeve dzenyu dzichanzwa inzwi mumashure menyu, richiti, “Iyi ndiyo nzira, fambai mairi.” 22Ipapo muchasvibisa zvifananidzo zvenyu zvakafukidzwa nesirivha nezviumbwa zvenyu zvakafukidzwa negoridhe; muchazvirasira kure somucheka wakasvibiswa neropa romukadzi ari kumwedzi kwake muchiti kwazviri, “Ibvai pano!”

23Achakutumiraiwo mvura yokumeresa mbeu dzamunodyara muvhu, uye zvokudya zvichabva munyika zvichange zvakanyatsosvika uye zvakawanda kwazvo. Pazuva iro, nzombe dzenyu dzichafura mumafuro akafaranuka. 24Nzombe nembongoro dzinorima munda zvichadya mashanga noupfu, zvakaparadzirwa neforogo nefoshoro. 25Pazuva rokuuraya kukuru, panowira shongwe pasi, hova dzemvura dzichayerera pamusoro pamakomo ose akakwirira napamusoro pezvikomo zvakareba. 26Mwedzi uchapenya sezuva, uye zuva richapenya kakapetwa kanomwe, kufanana nechiedza chamazuva manomwe azere, Jehovha paanosunga mavanga avanhu vake agorapa maronda aakavakuvadza nawo.

27Tarirai, Zita raJehovha rasvika richibva kure,
rine hasha dzinopfuta moto namakore outsi hwakasviba kuti ndo-o;
miromo yake yakazara nokutsamwa,
uye rurimi rwake moto unoparadza.
28Kufema kwake kunofanana nokuyerera kwemvura ine simba zhinji,
inokwira ichisvika mumutsipa.
Anozungura ndudzi murusero rwokuparadza;
anoisa mushaya dzavanhu
matomu anovatsausa.
29Uye muchaimba
sapausiku hwamunopemberera mutambo mutsvene;
mwoyo yenyu ichafara
sezvinoita vanhu vanokwira kugomo raJehovha,
nokuDombo raIsraeri, vachiridza nyere.
30Jehovha achaita kuti vanhu vanzwe inzwi rake roumambo,
uye achaita kuti vaone ruoko rwake ruchiburuka pasi,
nehasha zhinji nomoto wokuparadza,
nokuputika kwamakore, kunaya kwemvura zhinji nechimvuramabwe.
31Inzwi raJehovha richaparadza vaAsiria;
achavarova netsvimbo yake.
32Shamhu yoga yoga yavacharohwa nayo naJehovha
netsvimbo yake yokuranga,
ichaenderana nerwiyo rwamakandira norudimbwa,
paacharwa navo muhondo noruoko rwake.
33Tofeti yakanguri yagadzirira;
yakagadzirirwa kare kugamuchira mambo.
Gomba rayo romoto rakadzikiswa rikapamhamiswa,
uye pane moto wakawanda nehuni zhinji;
kufema kwaJehovha,
sorukova runopfuta nesafuri,
kuchazvitungidza.
Copyright information for SnaBDSC